Job 11

Zofari

1Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:

2“Mashoko aya ose haangapindurwi here?
Ko, mutauri uyu anofanira kushayirwa mhosva here?
3Ko, kubvotomoka kwako kunganyaradza vanhu here?
Ko, pangashaya anokutsiura paunenge uchituka here?
4Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama
uye ndakachena pamberi penyu.’
5Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura,
kuti dai ashamisa hake muromo wake pamusoro pako,
6uye akuzarurire zvakavanzika zvouchenjeri,
nokuti uchenjeri hwechokwadi huri paviri.
Uzive izvi: Mwari akatokanganwa kare zvimwe zvivi zvako.

7“Ko, unganzwisisa zvakavanzika zvaMwari here?
Unganzwisisa panogumira Wamasimba Ose here?
8Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko?
Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko?
9Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika
uye zvakapamhama kupfuura gungwa.

10“Kana iye akasvika akakupfigira mujeri
uye akakoka dare remhosva, ndianiko angapikisana naye?
11Zvirokwazvo anoziva vanhu vanonyengera;
uye paanoona chakaipa, anoshaya hanya here?
12Asi munhu asina kuchenjera haangagoni kuva akangwara
sezvo zvisingagoneki kuti mwana wembizi angaberekwa nomunhu.

13“Asi kana mwoyo wako ukazvipira kwaari,
uye ukatambanudzira maoko ako kwaari,
14kana ukaisa kure chivi chiri muruoko rwako,
uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako,
15ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi,
uchamira wakasimba uye usingatyi.
16Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako,
uchangoirangarira semvura yakaerera.
17Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru,
uye rima richaita samangwanani.
18Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko;
ucharinga-ringa ugozorora murugare.
19Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa,
uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako.
20Asi meso avakaipa achaneta,
uye vachashayiwa kwokutizira;
tariro yavo ichava yokufa.”
Copyright information for SnaBDSC